Vosvika muAmerica mazuva ano

Mbeu yevanhu vosvika muno yati siyanei neyedu patakasvika. Isu taivinga chikoro, kana kuzotora twumakosi twekutiwanisa mabasa ane musoro, toshanda kwemakore, tichironga kuzodzokera kumusha takagukuchira upfumi. As ava vouya ava, huwi-i, mabasa chaiwo.

Pane mukomana akasvika mwedzi wapfuura. Hameno kwazvakanhongana nemukadzi weChirungu anenge ane dzakadambuka dzose. Mungadai mavaona nhasi pavasvika pano kuzopemberera Zimbabwean Independence Day nesu, chikara chichizvidhonza haikona, hanzi ndine wangu, isu tikati, “Tamuona!” Ndamutarisa mukomana uyu ndikanzwa misodzi yoda kudonha. Nhai shiye zvayo, mwana akakurira kuruzevha, kunozvuviwa nechembere zvayo. Anga ashayei kumusha? Chero mumaruzevha zvamuzere vasikana vanogona kutsvoda wani.
Read More...

Comments

Jonathan Masere said…
Manu, mbabvu dzangu dzaoma nekuseka. Pano pabasa vanhu vatenge vofunga kuti munhu anototi bvuu kuseka achiriega here. Nyaya iyi inonzi sungaimbabvu chaiyo.

Masere
Ndatenda. Zvatondipa manyawi neniwo. Ndabva ndadzokera ndikanoiverengawo zvekare.

Ndine urombo kunzwa nezvekushaika kwegamba, asi zvinoratidza kuti akaperekedza nehama dzepamwoyo.

Popular posts from this blog

Abuja Writers' Forum Call for Submissions

Roland Mhasvi's Flowers

FREEDOM, a poem on South Africa by Afzal Moolla