Sadza paChimanimani

Zvinoita sadza! Takangoti tichiburuka bhazi paChimanimani Town Center kwava kuchimhanyira kwaibva munhuwi waro. Ipapo ndanga ndabva mukusangana neumwe murume wechidiki seni, uyo anga andiona ndichidzerekera kumusuwo webhazi ndokuti, "Manangepi ishe?"

Ini ndokuchitiwo, "Tisu maticha matsva ekwaNdima."

Akabva asimuka ndokunangawo mukova seni, apo bhazi ranga rozhamba rananga musika.
"Zvatoita tawandirira. Neniwo ndakananga kwaNdima; ndiri kunotanga basa paprimary."

"Ini ndakariwanira pasecondary."

"Makorokoto; ekumusoro uku anonzi oti netsei kuwana. Asi muchangopedza paUZ?"

"Hongu; gore rapfuura irori. BA rangu, Chirungu neShona. Asi ndiri kunodzidzisa ChiRungu."

"Makorokoto chaiwo. Ngatiburuke; tamisa vanhu."

Tava panze pebhazi takambotarisa mamiriro anga akaita nzvimbo. Chese chandaiona chaipuruzira moyo wangu, kubvira kumadzimai emusika aitinongedza nemiguri yechibage, kunyanya madzimai echidiki, zvichidzika zvakadaro kusvika kutwusikana twanga twakanuna...asi ndakazonzengesa meso ndoringisa zigomo reChimanimani rainyemwerera pamwe nekufemereka nehasha. Panga pakandinakira panzvimbo iyi.

"Muri kuzviona here zvimoko?" akabvunza umwe wangu.

"Zvipi?" ndakabvunza ndichitarisa kuvanhu vainge vachiri kuburuka bhazi.  Asi mukomana akanongedza kuruboshe neziso, ini ndokuti, "Ah, zvisikana zvemusika izvi?" Ndaitaurira pasi kuti ndisanzwikwa.

"Ko  zvine basa here kuti ndezvemusika?"akabvunza achitandanisa chimwe chisikana chitsvuku nemasizo anenzara.

"Zvine basa chaizvo; handidi zvekuzopedzisira tawana zvitetamvura zvekuno," ndakadaro, uyu ndokuchibva apfachuka nekuseka. Ipapo ndakabva ndarangarira kuti tanga tisati taudzana mazita, chero zvazvo kuva maticha kwanga kwatotiita kunge taizivana nechakare."Ndonzi Sithole-- Mark Sithole."

"Moulta Matambanadzo," akapindura achiunza ruoko kuti rwugwine rwangu rwanga rwaneta nekumirira.

Ndopatanganzwa munhuwi wesadza ndokufamba tananga kwataiona vanhu vachinge masvosve. Pamusika uyu bhazi rinonzi raimbomira kwekanguva kakati rebei. Vanhu vaitokwanisa kutenga sadza ravo vakatorizhaka pasina kutya kuti vaizosiiwa nebhazi. Ndomafungiro atakaenda kusadza tinawo, shasha dzadekara zvadzo, kwava kuchirondana nenhoroondo dzekwaibviwa, kozoti dzekwaiendwa.Ini ndanga ndatombosunungukawo chose semunhu anga apedza mazuva matatu achingochinjanisa mabhazi, uku shungu dzichingokwira sedzaRunde. Kubasa rudzii kwaisasvikika? Ndakabvawo ndaziva kuti muchinda uyu anga atochembererawo parwendorwu. Mazuva mana achiedzawo kuenda kubasa.

Tese tanga tatangira rwendo muHarare. Iye anga abva kwaMutoko, kunova ndokwaiva kumusha kwake, uko anga apedza dzidzo yehudzidzisi paMutoko Teachers' College. Ini hangu ndanga ndabva muHararemo, kwangu kuBudiriro uku. Iye anga atora bhazi rekwaMutare rakafa kanomwe panzira, vachingoudzwa kuti vasanokwira rimwe sezvo iri ranga rina makanika waro mariri, saka kurigadzira kwaiva nyore. Pavakazosvika maMutare ranga ratova zuva repiri ari parwendo, atofonera kuchikoro kwakwe vakamuti ngaatore chero nguva yaaida. Saka nanhasi, anga achiri kungoedza kuenda kubasa, achipota achifonera chikoro, vomuti achasvika hake kana vematenga vada.

Ini ndakabuda muHarare nechitima. Ndakazvipfakamisa zvangu muFirst Class muya. Ko ndangaka ndisati ndakokotedza zvimasenzi zekuUZ zviya, saka ndaikwanisawo chose kufambawo zvine mutsigo. Kungoti ngori muMarondera, ngachife zvacho chitima chevaridzi. Takangomiswa panzvimbo imwe chete chichingounga nekupugura utsi. Kutobvunza kuti ko nhai, tonzi porai, zvichanaka hazvo nekuda kwaMwari. Ini bodo! Ndakachisiya chitima ndokunokwira bhazi ranga ranhuwidza mari rikaba vagadhi vechitima. Asiwo hatina kukwanisa kudzoserwa kana kobiri chairo nechitima, avawo vebhazi kana kumbotinzvirawo tsitsi. Zvakaitika pakati peMarondera neMutare, kozoti Mutare neChipinge, kuzodakara ndazochisvika muno musadza, ha-a, zvaitoda gore rese kuzvitsanangura.

"Ndongofara kuti, finally, ndava netariro, ndava kunhuwidza basa, kunyanya zvandatosangana neumwe anonzwisisa mutauro wangu," ndakadaro ndichin'en'a bonzo.

"Neniwo, shasha. Another teacher? Mashura aya," akapindura hake Moulta achipa nhunzi mbama.

Takaridyawo chose ndokuzopedzisira toti uyu abata rake bhodhoro reCastle, uyu abata rake reLion. Pava paya tichizotatamuka zvedu tananga kwatanga takamirirwa nebhazi redu.

Tichifamba angu maziso aiva achicherechedza makomo eChimanimani; ndokwaiuyiwa nevashanyi vaibva kunyika dzakaita saana Germany, United States, chiBritain, nedzimwe dakadaro. Ini hangu ndanga ndisati ndamboshanyira makomo embiri, uye handaitarisira knunmokwirana neawa ekuno. Asi aiyevedza kutatirisa. Randanga ndakayeva tichifamba raiita kunge raiziva kunge ndanga ndakaritarisa, huma yaro ichipenya kunge raida kundikoka kuti ndizoona zvaraiva nhazvo. Gomo guru rine mhanza uye tubvuzi twehungwaru. Gomo guru rinonzi raiva nemapako airura, mapako aiba munhu umwe pagore, iwo mabvakura ainge kunge ane nzeve dzakavuwiwa nesimende. Ini kwete, makomo ndaingoayevera kure, saizvo ndichifamba hangu zvekuzengurira, uku dumbu rati tashu seremashu, ndichifamba nzeve dzichinzwa zvaitaurwa na Moulta uyo aingunoimba nezvekunakidza kwaaita Mutoko.

"Ah, shit!" akadaro Moulta achikwakuka kunge uyo anga atsika chiva. Handaida kudirwa mbama kuti ndizive changa chamukwakusa; ndakatokwakukawo pandakatarisa nzimbo yatanga tasiya bhazi. Panga patomirwa zvapo nechimota chematomatisi icho chaingunorwirwa nemadzimai emusika. Kukwakuka kwakashanduka kukava kumhanya, uku meso achitandanisa nzira yebhazi kudakara asisaoni chinhu. Kana kuona chiedza chebhazi, kana chekunyepedzera.

"Tava pashinyasi mudhara," akadaro Moulta achiri kungomhanya pasina kwakanangwa. Patakabonderana ndopandakarangarira kuti neni ndanga ndichiri kumhanyawo, kumhanya kuya kunoita kunge kunotimba panzvimbo imwe chete. Takazongoererana tamira pamberi pechimota tatarisana nemuchairi wayo, ambuya vanga vakatozvitsamwiravo zvavo nechakare.

"Munoziva kwainda bhazi?" ndini uyo ndobvunza, ndichizvirovesa nehana yangu nekuti ndaiziva kuti handiwo mabvunziro anoitwa, asi hapana mamwe mabvunziro andakakwanisa kuita.

"Bhazi ramai vaani?" ndiambuya vaya.

"Bhazi; tasiya bhazi pano!"

"Iti wasiiwa nebhazi," ndiMoulta uyo.

"Chibvunza iwe then!" ndini uyo, asi ndanga ndisina hangu kutsamwa. Moulta akabva amisa chimwe chisikana chaizvimhanyirawo.

"Rekwa Ndima? Rainda kare; pame izvozvi ratosvika kuTurn off yekuRusitu. Mukamhanya mogona kuribata. Rinomira nzvimbo dzakawanda," akadaro musikana achibva arova museve Moulta asati amupa umwe mubvunzo.

Takatarisana ndokutarisa tsoka dzedu ndokutarisana zvakare. Zvekuita taizviziva; kuzvinonokera kwainge kudenha nyuchi dzegonera.

Comments

Popular posts from this blog

Abuja Writers' Forum Call for Submissions

Roland Mhasvi's Flowers

FREEDOM, a poem on South Africa by Afzal Moolla